2 Kings 21:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handicazofamba‐fambisi tsoka dzaʋaIsraeri kunze kwenyika yandakapa madziɓaɓa aʋo; kana ʋacicenjera ɓedzi kuita ɀandakaʋaraira, nomurairo wose waʋakarairwa naMosesi muranda waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Handichaitizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzidzungaire kubva munyika yandakapa madzitateguru avo, kana vakangochenjera chete kuita zvose zvandakavarayira uye vakachengeta Murayiro wose wavakapiwa nomuranda wangu Mozisi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uyewo kuti handizoita kuti tsoka yomuIsiraeri ibude kunze vadzungaire vari kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo. Ndokunge chete vachenjerera kutevedza zvose zvandakati vaite uye nezvose zviri pamutemo wavakaudzwa naMosesi muranda wangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Handichazofambisa-fambisa tsoka dzavaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjera bedzi kuita zvandakavaraira, nomurayiro wose wavakarairwa naMosesi muranda wangu.”
Shona 2009?
Handichazofambisa-fambisa tsoka dzavaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjerachetekuita zvandakavaraira, nomurayiro wose wavakarairwa naMozisi muranda wangu."
Shona SUB 2002 Bible
Handichazofambisa–fambisa tsoka dzaVaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjera bedzi kuita zvandakavaraira, nomurairo wose wavakarairwa naMosesi muranda wangu.”