2 Kings 22:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Endai mundondibvunzira Jehova, ini naʋanhu naʋaJuda ʋose, pamsoro pamashoko ebuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamŋa kwaJehova kwaakatitsamŋira nako kukuru kwaɀo, nokuti madziɓaɓa eɗu haana‐kuterera mashoko ebuku iyi, haʋana‐kuita ɀose ɀatakarairwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Endai munondibvunzirawo Jehovha, ini navanhu ava, uye navanhu vose veJudha, pamusoro pezvakanyorwa mubhuku rakawanikwa iri. Nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru nokuda kwamadzibaba edu asina kuteerera mashoko ebhuku iri; havana kuita zvose zvakafanira zvakanyorwa pamusoro pedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Endai mundotibvunzirawo kuna Tenzi ini navanhu, nevokwaJudha vose nezvakanyorwa mubhuku iri rakawanikwa, nokuti hasha dzaTenzi dzatakamutsirwa dzakakura, pari pamusana pokuti madzibaba edu haana kuteerera zvakanyorwa mubhuku iri kuti vaite maererano nazvose zvatakanyorerwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navanhu vavaJudha vose, pamusoro pamashoko ebhuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru kwazvo, nokuti madzibaba edu havana kuteerera mashoko ebhuku iyi, havana kuita zvose zvatakarairwa.”
Shona 2009?
"Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navanhu vavaJudha vose, pamusoro pamashoko ebhuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru kwazvo, nokuti madzibaba edu havana kuteerera mashoko ebhuku iyi, havana kuita zvose zvatakarairwa."
Shona SUB 2002 Bible
“Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navanhu vavaJudha vose, pamusoro pamashoko eBhuku iri rakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru kwazvo, nokuti madzibaba edu havana kuteerera mashoko eBhuku iri, havana kuita zvose zvatakarairwa.”