2 Kings 22:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Hirkia muprista mukuru akati kunaShafani munyori: Ndawana buku yomurairo mumba maJehova. Hirkia akapa Shafani buku yomurairo, iye akairaʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hirikia muprista mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani, uyo akariverenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi mukuru Hirikiya akati kuna samunyori mukuru Shafani, “Ndawana bhuku romutemo mumba yaTenzi!” Hirikiya akapa bhuku iroro kuna Shafani akabva ariverenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Hirikia mupristi mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha.” Hirikia akapa Shafani bhuku yomurayiro, iye akairava.
Shona 2009?
Ipapo Hirikia muprista mukuru akati kuna Shafani munyori, "Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha." Hirikia akapa Shafani bhuku yomurayiro, iye akairava.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Hirikia Mupristi Mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurairo mumba maJehovha.” Hirikia akapa Shafani Bhuku roMurairo, iye akairava.