2 Kings 23:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akabvisa mabiza akaŋga apiwa namadzimambo kuzokudza zuʋa paʋanopinda napo paimba yaJehova, pakamuri yaNatani‐mereki mutariri weimba yomukati yakaŋga iri paɓiraʋira, akapisa ŋgoro dzezuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabvisa pasuo retemberi yaJehovha mabhiza akanga akumikidzwa kuzuva namadzimambo eJudha, akanga ari muchivanze pedyo nekamuri romubati ainzi Natani-Mereki. Ipapo Josia akapisa ngoro dzakanga dzakakumikidzwa kuzuva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaparadza mabhiza akanga ateketererwa namadzimambo wokwaJudha kuzuva, kwokupinda nako mumba yaTenzi pedyo nemba yaNatanimereki mukuru mukuru wacho muberere, akapisa nomoto ngoro dzehondo dzezuva dzacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaputsa mabhiza akanga apiwa namadzimambo kuzokudza zuva pavanopinda napo paimba yaJehovha, pakamuri yaNatanimereki mutariri weimba yomukati yakanga iri pabiravira, akapisa ngoro dzezuva.
Shona 2009?
Akaputsa mabhiza akanga apiwa namadzimambo kuzokudza zuva pavanopinda napo paimba yaJehovha, pakamuri yaNatanimereki mutariri weimba yomukati yakanga iri pabiravira, akapisa ngoro dzezuva.
Shona SUB 2002 Bible
Akaputsa mabhiza akanga apiwa namadzimambo kuzokudza zuva pavanopinda napo paimba yaJehovha, pakamuri yaNatanimereki mutariri weimba yomukati yakanga iri pabiravira, akapisa ngoro dzezuva.