2 Kings 23:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akashatsa ʋo matunhu akakwirira aiʋa pamberi peJerusarema, aiʋa kurudyi rwegomo rokuparadza, akaŋga aʋakirwa Ashtoreti, mŋari unonyaŋgadza waʋaZidoni, naKemoshi, mŋari unonyaŋgadza waMoabi, naMirkomi, mŋari unonyaŋgadza waʋana ʋaAmoni, naSoromoni mambo waIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akashatisawo matunhu akakwirira akanga ari kumabvazuva kweJerusarema nechezasi kweChikomo choUori, izvo zvakanga zvavakwa naSoromoni mambo weIsraeri achivakira Ashitoreti mwari anonyangadza wavaSidhoni naKemoshi mwari anonyangadza wavaMoabhu, naMoreki mwari anonyangadza wavaAmoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akan'oresa kwavari nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzaiva kumabvazuva kweJerusaremu kumaodzanyemba kwegomo roUipi dzakavakwa naSoromoni kuitira chimwe chinosemesa chainzi Ashitoreti, mwari wevaSidhoni nechimwe chinosemesa chainzi Kemoshi mwari wevaMoabhu uyewo chimwe chinosemesa chainzi Mirikomu mwari wevaAmoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akashatisawo matunhu akakwirira aiva pamberi peJerusaremu, aiva kurudyi rwegomo rokuparadza, akanga avakirwa Ashitoreti, mwari unonyangadza wavaZidhoni, naKemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, naMirikomi, mwari unonyangadza wavana vaAmoni, naSoromoni mambo weIsiraeri.
Shona 2009?
Mambo akashatisawo matunhu akakwirira aiva pamberi peJerusaremu, aiva kurudyi rwegomo rokuparadza, akanga avakirwa Ashitoreti, mwari unonyangadza wavaZidhoni, naKemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, naMirikomi, mwari unonyangadza wavana vaAmoni, naSoromoni mambo waIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akashatisawo matunhu akakwirira aiva pamberi peJerusaremu, aiva kurudyi rwegomo rokuparadza, akanga avakirwa Ashitoreti, mwari unonyangadza wavaZidhoni, naKemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, naMirikomi, mwari unonyangadza wavana vaAmoni, naSoromoni mambo weIsiraeri.