2 Kings 23:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye artari ʋo yaiʋa paBeti‐eri, neɗunhu rakakwirira rakaʋakwa naJeroboami mŋanakomana waNebati, iye wakatadzisa Israeri, artari iyo neɗunhu iro rakakwirira akaɀiputsa, akapisa ɗunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita guruʋa, akapisa ɗanda rokunamata naro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro paizvozvo, akaparadza aritari paBheteri nenzvimbo yakakwirira yakaitwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uyo akaita kuti Israeri itadze, kunyange aritari iyoyo nenzvimbo yakakwirira akazviputsa. Akapisa nzvimbo yakakwirira akaikuya kuita upfu, uye akapisawo danda raAshera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwe ndechokuti atari iya yokuBhetieri panzvimbo yakatunhumara yokuteurira yakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati nyakupinza vokwaIsiraeri mukutadza uya, atari iyoyo nenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akazvikoromorera pasi akazvipwanya-pwanya kuita mavhu. Akapisawo chifananidzo chiAshera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye aritariwo yaiva paBhetieri nedunhu rakakwirira rakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iye wakatadzisa Isiraeri, aritari iyo nedunhu iro rakakwirira akazviputsa, akapisa dunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita huruva, akapisa danda rokunamata naro.
Shona 2009?
Uye aritariwo yaiva paBhetieri nedunhu rakakwirira rakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iye wakatadzisa Isiraeri, aritari iyo nedunhu iro rakakwirira akazviputsa, akapisa dunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita huruva, akapisa danda rokunamata naro.
Shona SUB 2002 Bible
Uye atariwo yaiva paBhetieri nedunhu rakakwirira rakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iye wakatadzisa Isiraeri, atari iyo nedunhu iro rakakwirira akazviputsa, akapisa dunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita huruva, akapisa danda rokunamata naro.