2 Kings 23:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Josia wakati acitendeʋuka, akaʋona marinda aiʋa mugomo, akatuma ʋanhu ʋakatora mafupa aiʋa mumarinda, ʋakaapisa paartari iyo, akaishatsa seɀakaŋga ɀataurwa neshoko raJehova rakaparidzwa nomunhu waMŋari, iye wakaɗeya kuparidza ɀinhu iɀi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Josia akatariratarira uye paakaona makuva akanga aripo pamusoro pechikomo, akarayira kuti mapfupa abviswe maari uye apiswe paaritari kuti aishatise aisvibise, maererano neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari akaprofita zvinhu izvi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josiya akacheuka akaona makuva mugomo imomo, akatumira vanhu kundotora mapfupa mumakuva iwayo. Akaapisira paatari akain'oresa maererano neshoko raTenzi rakataurwa nomunhu waMwari uya akanga afanozvitaura izvozvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Josia wakati achitendeuka, akaona marinda aiva mugomo, akatuma vanhu vakatora mapfupa aiva mumarinda, vakaapisa paaritari iyo, akaishatisa sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari, iye wakadeya kuparidza zvinhu izvi.
Shona 2009?
Zvino Josiya wakati achitendeuka, akaona marinda aiva mugomo, akatuma vanhu vakatora mapfupa aiva mumarinda, vakaapisa paaritari iyo, akaishatisa sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari, iye wakadeya kuparidza zvinhu izvi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Josiya wakati achitendeuka, akaona marinda aiva mugomo, akatuma vanhu vakatora mapfupa aiva mumarinda, vakaapisa paatari iyo, akaishatisa sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari, iye wakadeya kuparidza zvinhu izvi.