2 Kings 23:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati: Shoŋgwe iyi yandinoʋona ndeyeiko? Ʋanhu ʋeguta ʋakati kwaari: Ndiro rinda romunhu waMŋari, wakaɗeya kubva kwaJuda, akaparidza ɀinhu iɀo ɀamakaitira artari yeBeti‐eri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akabvunza akati, “Ko, shongwe yeguva yandinoona iyo ndeyaani?” Varume vomuguta vakati, “Ndiyo inoratidza rinda romunhu waMwari akabva kuJudha akaprofita pamusoro pearitari yeBheteri nezvinhu izvi zvamaita kwairi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazoti, “Ko icho chakavakwa apo chiiko icho?” Varume vomuguta imomo vakamutaurira kuti, “Iguva romunhu waMwari akabva kwaJudha akafanozvitaura izvozvi zvamaita kuatari iyi yepaBhetieri pano.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati, “Shongwe iyi yandinoona ndeyeiko?” Vanhu veguta vakati kwaari, “Ndiro rinda romunhu waMwari, wakadeya kubva kwaJudha, akaparidza zvinhu izvo zvamakaitira aritari yeBhetieri.”
Shona 2009?
Zvino akati, "Shongwe iyi yandinoona ndeyeiko?" Vanhu veguta vakati kwaari, "Ndiro rinda romunhu waMwari, wakadeya kubva kwaJudha, akaparidza zvinhu izvo zvamakaitira aritari yeBhetieri."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati, “Shongwe iyi yandinoona ndeyeiko?” Vanhu veguta vakati kwaari, “Ndiro rinda romunhu waMwari, wakadeya kubva kwaJudha, akaparidza zvinhu izvo zvamakaitira atari yeBhetieri.”