2 Kings 23:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiʋa pamaguta eSamaria, dzakaŋga dzakaʋakwa namadzimambo aIsraeri, ʋakatsamŋisa Jehova nadzo, idzo dzakabviswa naJosia, akadziitira ɀose ɀaakaita paBeti‐eri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josia akaita zvimwe chetezvo sezvaakanga aita paBheteri akabvisa uye akashatisa temberi dzose dzapamatunhu akakwirira dzakanga dzavakwa namadzimambo eIsraeri mumaguta eSamaria, akanga atsamwisa Jehovha,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzimbawo dziya dzose dzepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dzaiva mumaguta eSamaria dzakavakwa namadzimambo okwaIsiraeri vachivirutsa Tenzi nehasha, Josiya akadzibvisa. Akaita kwadziri zvaakanga aita zvose kuBhetieri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiva pamaguta eSamaria, dzakanga dzakavakwa namadzimambo eIsiraeri, vakatsamwisa Jehovha nadzo, idzo dzakabviswa naJosia, akadziitira zvose zvaakaita paBhetieri.
Shona 2009?
Uye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiva pamaguta eSamaria, dzakanga dzakavakwa namadzimambo aIsiraeri, vakatsamwisa Jehovha nadzo, idzo dzakabviswa naJosiya, akadziitira zvose zvaakaita paBhetieri.
Shona SUB 2002 Bible
Uye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiva pamaguta eSamaria, dzakanga dzakavakwa namadzimambo eIsiraeri, vakatsamwisa Jehovha nadzo, idzo dzakabviswa naJosiya, akadziitira zvose zvaakaita paBhetieri.