2 Kings 23:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, haʋana‐kumboita paseka yakaɗai, kubva pamazuʋa aʋatoŋgi ʋaitoŋga Israeri, kana pamazuʋa ose amadzimambo aIsraeri, kana madzimambo aJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna kumbova nepasika yakadai kubvira pamazuva avatongi vakatungamirira Israeri kana pamazuva amadzimambo avaIsraeri, namadzimambo eJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvaivapo ndezvokuti, kubvira pamazuva evatongi vakatonga Isiraeri kana pamazuva ose emadzimambo okwaIsiraeri kunyange emadzimambo okwaJudha, hakuna Pasika yakadai yakanga yaitwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, havana kumboita Pasika yakadai, kubva pamazuva avatongi vaitonga Isiraeri, kana pamazuva ose amadzimambo eIsiraeri, kana madzimambo aJudha.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, havana kumboita Pasika yakadai, kubva pamazuva avatongi vaitonga Isiraeri, kana pamazuva ose amadzimambo aIsiraeri, kana madzimambo aJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, havana kumboita Pasika yakadai, kubva pamazuva avatongi vaitonga Isiraeri, kana pamazuva ose amadzimambo eIsiraeri, kana madzimambo aJudha.