2 Kings 23:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Josia akabvisa ʋo maȿikiro ose, naʋaroyi, namaterafimi, neɀifananidzo, neɀose ɀinonyaŋgadza, ɀakawanikwa munyika yaJuda napaJerusarema, kuti asimbise mashoko omurairo, akaŋga akanyorwa mubuku yakawanikwa mumba maJehova naHirkia muprista.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro paizvozvo, Josia akabvisa masvikiro ose navavuki, navamwari vomudzimu, nezvifananidzo nezvimwe zvose zvinonyangadza zvaionekwa muJudha neJerusarema. Akaita izvi kuti azadzise zvaidikanwa nomurayiro wakanga wakanyorwa mubhuku rakanga rakawanikwa nomuprista Hirikia mutemberi yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwezve ndechokuti Josiya akabvisa masvikiro nen'anga, nevamwari vanonzi materafimu, nezvifananidzo zvokunamata, nezvose zvakaipisisa kwazvo zvakaonekwa munyika yokwaJudha nomuJerusaremu achiitira kuti zviri mumutemo zvakanyorwa mubhuku rakawanikwa mumba yaTenzi nomupristi Hirikiya zviitwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Josia akabvisawo masvikiro ose, navaroyi, namaterafimi, nezvifananidzo, nezvose zvinonyangadza, zvakawanikwa munyika yaJudha napaJerusaremu, kuti asimbise mashoko omurayiro, akanga akanyorwa mubhuku yakawanikwa mumba maJehovha naHirikia mupristi.
Shona 2009?
Josiya akabvisawo masvikiro ose, navaroyi, namaterafimi, nezvifananidzo, nezvose zvinonyangadza, zvakawanikwa munyika yaJudha napaJerusaremu, kuti asimbise mashoko omurayiro, akanga akanyorwa mubhuku yakawanikwa mumba maJehovha naHirikia muprista.
Shona SUB 2002 Bible
Josiya akabvisawo masvikiro ose, navaroyi, namaterafimi, nezvifananidzo, nezvose zvinonyangadza, zvakawanikwa munyika yaJudha napaJerusaremu, kuti asimbise mashoko omurairo, akanga akanyorwa mubhuku rakawanikwa mumba maJehovha naHirikia mupristi.