2 Kings 23:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunamambo wakamutaŋgira wakaŋga akafanana naye, wakatendeʋukira kunaJehova nomŋoyo wake wose, nomŋeya wake wose, nesimba rake rose, aciteʋera murairo wose waMosesi; ʋuye hakunomumŋe wakamuteʋera wakaŋga akafanana naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hapana kumbova namambo akaita saJosia kuna vakamutangira kana vakamutevera, akatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, uye nesimba rake rose, sezvaakaita achitevera Murayiro wose waMozisi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna kumbenge kwaita mambo akaita saiyeyu akapindukira kuna Tenzi nomwoyo wake wose nomweya wake wose nesimba rake rose, aitevedza zvose zvomutemo waMosesi kunyange kuzomuka mumwe akaita saiyeyu mushure make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuna mambo wakamutangira wakanga akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, nesimba rake rose, achitevera murayiro wose waMosesi; uye hakuna mumwe wakamutevera wakanga akafanana naye.
Shona 2009?
Hakuna mambo wakamutangira wakanga akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nomoyo wake wose, nomweya wake wose, nesimba rake rose, achitevera murayiro wose waMozisi; uye hakuna mumwe wakamutevera wakanga akafanana naye.
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna mambo wakamutangira wakanga akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, nesimba rake rose, achitevera murairo wose waMosesi; uye hakuna mumwe wakamutevera wakanga akafanana naye.