2 Kings 23:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pamazuʋa ake Farao‐neko mambo weEgipita, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufratesi, mambo Josia akandorwa naye; asi wakati amuʋona, Farao‐neko akamuʋuraya paMegido.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Josia paakanga ari mambo, Faro Neko mambo weIjipiti akaenda kuRwizi Yufuratesi kuti andobatsira mambo weAsiria. Mambo Josia akaenda kundorwisana naye, asi Neko akamuona akamuuraya paMegidho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumazuva aFarao, Neko, mambo weIjipiti akakwira kuna mambo weAsiria kurwizi rweYufuratesi, Mambo Josiya akamuchingudzira. Farao Neko paakamuona akamuuraya kuMegidho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pamazuva ake Farao-neko mambo weIjipiti, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufuratesi, mambo Josia akandorwa naye; asi wakati amuona, Farao-neko akamuuraya paMegidho.
Shona 2009?
Pamazuva ake Farao-neko mambo weIjipiti, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufuratesi, mambo Josiya akandorwa naye; asi wakati amuona, Farao-neko akamuuraya paMegidho.
Shona SUB 2002 Bible
Pamazuva ake Farao–neko mambo weIjipiti, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufuretesi, mambo Josiya akandorwa naye; asi wakati amuona, Farao–neko akamuuraya paMegidho.