2 Kings 23:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akamira pambiru, akaita suŋgano pamberi paJehova, akaɀisuŋga kuteʋera Jehova, nokuceŋgeta mirairo yake neɀipupuriro, neɀaakatema, nomŋoyo wake wose nomŋeya wake wose, kuti asimbise mashoko esuŋgano iyi, akaŋga akanyorwa mubuku iyi; ʋanhu ʋose ʋakasimbisa suŋgano iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akamira pambiru akavandudza sungano pamberi paJehovha, kuti atevere Jehovha uye achengete zvaakarayira, nezvaakatema nemitemo yake nomwoyo wake wose, nomweya wake wose nokudaro achisimbisa mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri. Ipapo vanhu vose vakazvipira kusungano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akamira pedyo nomusimboti akapika mhiko pana Tenzi yokuti anozomutevera achichengeta mitemo yake, zvirevo zvake nemirao yake nemwoyo wake wose nemweya wake wose kuchengeta zvisungo zvechitenderano ichochi zvanga zvakanyorwa mubhuku irori. Vanhu vose vakatsinhira chitenderano chacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akamira pambiru, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake nezvipupuriro, nezvaakatema, nomwoyo wake wose nomweya wake wose, kuti asimbise mashoko esungano iyi, akanga akanyorwa mubhuku iyi; vanhu vose vakasimbisa sungano iyo.
Shona 2009?
Mambo akamira pambiru, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake nezvipupuriro, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti asimbise mashoko esungano iyi, akanga akanyorwa mubhuku iyi, vanhu vose vakasimbisa sungano iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akamira pambiru, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake nezvipupuriro, nezvaakatema, nomwoyo wake wose nomweya wake wose, kuti asimbise mashoko esungano iyi, akanga akanyorwa muBhuku iri; vanhu vose vakasimbisa sungano iyo.