2 Kings 23:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaranda ʋake ʋakamutakura neŋgoro afa, ʋakabva naye paMegido, ʋakamuisa Jerusarema, ʋakamuʋiga mubgiro bgake. Ɀino ʋanhu ʋenyika ʋakatora Jehoahazi mŋanakomana waJosia, ʋakamuzodza, ʋakamuita mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varanda vaJosia vakatakura mutumbi wake mungoro kubva kuMegidho kusvika kuJerusarema vakamuviga muguva rake. Vanhu vomunyika imomo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuzodza uye vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makurukota ake akamutakura mungoro yehondo chava chitunha kuMegidho akauya naye kuJerusaremu akamuviga muguva rake. Vanhu venyika iyi vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya vakamuzodza vakamugadza umambo panzvimbo yababa vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varanda vake vakamutakura nengoro afa, vakabva naye paMegidho, vakamuisa Jerusaremu, vakamuviga muhwiro hwake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia, vakamuzodza, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.
Shona 2009?
Varanda vake vakamutakura nengoro afa, vakabva naye paMegidho, vakamuisa Jerusaremu, vakamuviga muhwiro hwake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuzodza, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.
Shona SUB 2002 Bible
Varanda vake vakamutakura nengoro afa, vakabva naye paMegidho, vakamuisa Jerusaremu, vakamuviga muhwiro hwake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuzodza, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.