2 Kings 23:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Farao‐neko wakamusuŋga paRibra munyika yeHamati, kuti arege kuɓata ʋushe paJerusarema; akateresa nyika matarenta esirveri anezana, netarenta rimŋe rendarama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Faro Neko akamusunga nengetani paRibhira munyika yeHamati kuti asatonga muJerusarema, uye akaisa mutero pamusoro peJudha wamatarenda zanaa esirivha netarendab regoridhe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Farao Neko akamubata ari mambo kudaro muJerusaremu akandomuisa muubatwa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndokubva ateresa nyika yacho mari yesirivha inorema zviuru zvitatu zvamakirogiramu zvina makirogiramu mazana mana nendarama yairema makirogiramu makumi matatu ane mana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Farao-neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti arege kubata ushe paJerusaremu; akateresa nyika matarenda esirivha ane zana, natarenda rimwe rendarama.
Shona 2009?
Asi Farao-neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti arege kubata ushe paJerusaremu; akateresa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Farao–neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti arege kubata ushe paJerusaremu; akateresa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama.