2 Kings 23:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Farao‐neko akaita Eriyakimi mŋanakomana waJosia mambo panɀimbo yaJosia ɓaɓa ʋake, akashandura zita rake, rikazoʋa Jehoyakimi; asi wakaenda naJehoahazi, akaȿika Egipita, ndokufira’ko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Faro Neko akagadza Eriakimi mwanakomana waJosia kuti ave mambo panzvimbo yababa vake uye Josia akashandura zita raEriakimi kuti rive Jehoyakimi. Asi akatora Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti, uye ndiko kwaakafira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Farao Neko akaita Eriyakimu mwanakomana wamambo Josiya mambo panzvimbo pababa wake akamusandura zita ndokumutumidza zita rokuti Jehoyakimu. Asi akatora Joahazi akaenda naye kuIjipiti, Joahazi akafira ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Farao-neko akaita Eriakimu mwanakomana waJosia mambo panzvimbo yaJosia baba vake, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu; asi wakaenda naJehoahazi, akasvika Ijipiti, ndokufirako.
Shona 2009?
Farao-neko akaita Eriakimu mwanakomana waJosiya mambo panzvimbo yaJosiya baba vake, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu; asi wakaenda naJehoahazi, akasvika Ijipiti, ndokufirako.
Shona SUB 2002 Bible
Farao–neko akaita Eriakimu mwanakomana waJosiya mambo panzvimbo yaJosiya baba vake, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu; asi wakaenda naJehoahazi, akasvika Ijipiti, ndokufirako.