2 Kings 23:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo akaraira muprista mukuru Hirkia, naʋaprista ʋaimuteʋera, naʋatariri ʋomukoʋa, kuti ʋaɓuɗise patembere yaJehova nhumbi dzose dzakaŋga dzaitirwa Baari neAshera nehondo dzose dzokuɗeŋga; akadzipisa kunze kweJerusarema muruwa rwaKidroni, akaisa maɗota adzo paBeti‐eri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mambo akarayira Hirikia muprista mukuru, navaprista vaimutevera paukuru navarindi vemikova kuti vabvise mutemberi yaJehovha zvose zvakanga zvaitirwa Bhaari naAshera nenyeredzi dzose dzokudenga. Akazvipisira kunze kweJerusarema muminda yoMupata weKidhironi, akaendesa madota azvo kuBheteri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akaudza mupristi mukuru Hirikiya navapristi vaimutevedzera paukuru navatariri vepamusuo kuti vabudise mumba yaTenzi midziyo yose yakanga yakagadzirirwa Bhaari nechimufananidzo chokunamata, chiAshera neinomirira gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga, akazvipisira kunze kweJerusaremu muminda yokuKidhironi vakaenda namadota acho kuBhetieri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akaraira mupristi mukuru Hirikia, navapristi vaimutevera, navatariri vomukova, kuti vabudise patemberi yaJehovha nhumbi dzose dzakanga dzaitirwa Bhaari neAshera nehondo dzose dzokudenga; akadzipisa kunze kweJerusaremu muruwa rwaKidhironi, akaisa madota adzo paBhetieri.
Shona 2009?
Ipapo mambo akaraira muprista mukuru Hirikia, navaprista vaimutevera, navatariri vomukova, kuti vabudise patemberi yaJehovha nhumbi dzose dzakanga dzaitirwa Bhaari neAshera nehondo dzose dzokudenga, akadzipisa kunze kweJerusaremu muruwa rwaKidhironi, akaisa madota adzo paBhetieri.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akaraira mupristi mukuru Hirikia, navapristi vaimutevera, navatariri vomukova, kuti vabudise patemberi yaJehovha nhumbi dzose dzakanga dzaitirwa Bhaari neAshera nehondo dzose dzokudenga; akadzipisa kunze kweJerusaremu muruwa rwaKidhironi, akaisa madota adzo paBhetieri.