2 Kings 23:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaparadza ʋaprista ʋeɀifananidzo, ʋakaŋga ʋagadzwa namadzimambo aJuda kuti ʋapise ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJuda, nenɀimbo dzakapoteredza Jerusarema; ʋuye ʋose ʋaipisa ɀinonhuwira kunaBaari, nezuʋa, nomŋedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabvisa vaprista vezvifananidzo vakanga vagadzwa namadzimambo eJudha kuti vapisire zvinonhuwira pamatunhu akakwirira amaguta eJudha napamusoro penzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, vaya vaipisira zvinonhuwira kuna Bhaari, nokuzuva nomwedzi nokunyeredzi dzose dzokudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzinga pabasa vapristi vainamata zvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo okwaJudha kuti vapisire rusenzi munzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira mumaguta okwaJudha nomunharaunda yeJerusaremu. Akadzingawo pabasa vaya vaipisira rusenzi kuna Bhaari nokuzuva nokune mwedzi nezvidzengerere zvenyenyedzi nokugurusvusvu rezvinhu zvose zviri mumatenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaparadza vapristi vezvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo aJudha kuti vapise zvinonhuwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu; uye vose vaipisa zvinonhuwira kuna Bhaari, nezuva, nomwedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokudenga.
Shona 2009?
Akaparadza vaprista vezvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo aJudha kuti vapise zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, uye vose vaipisa zvinonhuhwira kuna Bhaari, nezuva, nomwedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Akaparadza vapristi vezvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo aJudha kuti vapise zvinonhuwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu; uye vose vaipisa zvinonhuwira kuna Bhaari, nezuva, nomwedzi, nenyenyedzi, nehondo dzose dzokudenga.