2 Kings 23:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋaprista ʋamatunhu akakwirira haʋazaikwira kuartari yaJehova paJerusarema, asi ʋaidya ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa pakati pehama dzaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvazvo vaprista vamatunhu akakwirira vakanga vasingashumiri paaritari yaJehovha muJerusarema, vakadya zvingwa zvisina mbiriso pamwe chete nehama dzavo vaprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo vapristi vepanzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira havana kukwira kuJerusaremu kuatari yaTenzi, asi vaitodya zvavo chingwa chisina mbiriso pachavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vapristi vamatunhu akakwirira havazaikwira kuaritari yaJehovha paJerusaremu, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.
Shona 2009?
Asi vaprista vamatunhu akakwirira havazaikwira kuaritari yaJehovha paJerusaremu, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vapristi vamatunhu akakwirira havazaikwira kuatari yaJehovha paJerusaremu, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.