2 Kings 24:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda nefuma yose yeimba yaJehova, nefuma yeimba yamambo, akatema‐tema nhumbi dzose dzendarama dzakaŋga dzaitwa naSoromoni mambo waIsraeri mutembere yaJehova, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvakanga zvarehwa naJehovha, Nebhukadhinezari akabvisa pfuma yose mutemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, uye akatora midziyo yose yegoridhe yakanga yaitirwa temberi yaJehovha naSoromoni mambo weJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatakura upfumi hwose hwomumba yaTenzi noupfumi hwomumuzinda wamambo. Akajajada midziyo yose yendarama yaiva mumba yaTenzi kuita zvidimbu zvidimbu. Ndiyo midziyo iya yakanga yagadzirwa naSoromoni mambo weIsiraeri sokutaura kwakanga kwaita Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaenda nepfuma yose yeimba yaJehovha, nepfuma yeimba yamambo, akatema-tema nhumbi dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni mambo weIsiraeri mutemberi yaJehovha, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
Shona 2009?
Akaenda nefuma yose yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo, akatema-tema nhumbi dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni mambo welsiraeri mutemberi yaJehovha, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Akaenda nepfuma yose yeimba yaJehovha, nepfuma yeimba yamambo, akatema–tema nhumbi dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni mambo weIsiraeri mutemberi yaJehovha, sezvakanga zvataurwa naJehovha.