2 Kings 24:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatapa ʋose ʋeJerusarema, namacinda ose, nemhare dzose, ʋatapxa ʋaneɀuru ɀinegumi, nemhizha dzose, naʋapfuri ʋose; hakuna‐ʋakasara, asi ʋanhu ʋarombo ʋenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatapa Jerusarema rose: vabati vose navarume vehondo vose, navarume voumhizha vose, navapfuri vesimbi—vaiva vanhu zviuru gumi. Varombo vokupedzisira ndivo vakasara chete munyika imomo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatapa Jerusaremu yose vaiti: vana vamambo vose namagamba ose okurwa vari nhapwa dzaisvika gumi rezviuru, kwoti nyanzvi dzokugadzira zvinhu nemhizha dzoutare. Hapana akasara kusiya chete varombowo zvavo vokupedzesera chaivo vomunyika imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatapa vose veJerusaremu, namachinda ose, nemhare dzose, vatapwa vanezvuru zvine gumi, nemhizha dzose navapfuri vose; hakuna vakasara, asi vanhu varombo venyika.
Shona 2009?
Akatapa vose veJerusaremu, namachinda ose, nemhare dzose, vatapwa vanezvuru zvine gumi, nemhizha dzose navapfuri vose; hakuna vakasara, asi vanhu varombo venyika.
Shona SUB 2002 Bible
Akatapa vose veJerusaremu, namachinda ose, nemhare dzose, vatapwa vane zviuru zvine gumi, nemhizha dzose navapfuri vose; hakuna vakasara, asi vanhu varombo venyika.