2 Kings 24:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zedekia wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi maʋiri nerimŋe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi nerimŋe. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Hamitari mukunda waJeremia weRibna.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; vaibva kuRibhina.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo. Akatonga kwemakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremiya wokuRibhuna.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Hamitari mukunda waJeremiya weRibhina.
Shona 2009?
Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Hamitari mukunda waJeremiya weRibhina.
Shona SUB 2002 Bible
Zedhekiya wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Hamitari mukunda waJeremiya weRibhina.