2 Kings 25:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nebuzaradani mukuru waʋarindi, akatapa ʋanhu ʋakaŋga ʋasara muguta, naʋakaŋga ʋatiza, ʋakaenda kunamambo weBabironi, naʋakaŋga ʋasara kuʋazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vanhu vose vakanga vasara mugutamo navakanga vapandukira kuna mambo weBhabhironi pamwechete navamwe vose voruzhinji vakanga vasara, Nebhuzaradhani akaenda navo muutapwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vatiza, vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.
Shona 2009?
Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vatiza, vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vatiza, vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.