2 Kings 25:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaKardea ʋakaputsanya mbiru dzendarira dzaiʋa mumba maJehova, neɀiŋgoro, nedziʋa rendarira, ɀaiʋa mumba maJehova, ʋakaenda nendarira yaɀo Babironi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nengoro neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva pamba paTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzaiva mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvaiva mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo Bhabhironi.
Shona 2009?
VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzaiva mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvaiva mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo Bhabhironi.
Shona SUB 2002 Bible
VaKaradhia vakaputsanya mbiru dzendarira dzaiva mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvaiva mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo Bhabhironi.