2 Kings 25:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye paguta akatora mukuru waitarira ʋarume ʋehondo, naʋarume ʋashanu ʋaisiʋonana namambo, ʋaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiʋuŋganidza ʋanhu ʋenyika, naʋarume ʋanamakumi matanhatu ʋaʋanhu ʋenyika, ʋaakawana muguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mutariri wavarume vokurwa navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika uye navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maguta, akatapa mumwe mukuru mukuru aimbenge ari mutungamiriri wavarwi kuhondo namachinda amambo mashanu vaiva muguta umu nasamunyori womutungamiriri wehondo aitungamirira vanhu venyika iyi. Akatapawo makumi matanhatu avarume venyika yacho vaiva mugutamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye paguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vashanu vaisionana namambo, vaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, navarume vana makumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana muguta.
Shona 2009?
uye paguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vashanu vaisionana namambo, vaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, navarume vanamakumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana muguta.
Shona SUB 2002 Bible
uye paguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vashanu vaisionana namambo, vaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, navarume vana makumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana muguta.