2 Kings 25:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakuru ʋose ʋehondo, iʋo naʋanhu ʋaʋo, ʋakati ʋanzwa kuti mambo weBabironi wakaŋga aita Gedari muɓati waʋo, ʋakaenda kunaGedaria paMizpa, ʋaiti: Ishmaeri mŋanakomana waNetania, naJohanani mŋanakomana waKarea, naSeraya mŋanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mŋanakomana womuMaakati, iʋo naʋanhu ʋaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakanzwa vakuru vakuru vose vezvikwata zvehondo navarwi vavo kuti mambo weBhabhironi akasarudza Gedhariya kuva mutongi, vakauya kuna Gedhariya kuMizipa. Kwaiti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKarea, kwoti Seraya mwanakomana waTanihumeti wokuNetofa naJaazaniya mumwe murume wechizvarwa chokwaMaaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo.
Shona 2009?
Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohwanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo.