2 Kings 25:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino negore ramakumi matatu namanomŋe rokutapxa kwaJehoyakini mambo waJuda, nomŋedzi wegumi nemiʋiri, nezuʋa ramakumi maʋiri namanomŋe romŋedzi, Eviri‐merodaki mambo weBabironi, negore raakataŋga kuɓata ʋushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJuda, akamubvisa mutoroŋgo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore ramakumi matatu nechinomwe routapwa hwaJehoyakini mambo wokwaJudha mumwedzi wegumi nechipiri pazuva remakumi maviri nechinomwe romwedzi iwoyo, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi mugore raakatangisa kutonga akaita mwoyochena wokuburitsa Jehoyakini mujeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, Eviri-merodhaki mambo weBhabhironi, negore raakatanga kubata ushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubvisa mutorongo;
Shona 2009?
Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, Evhiri-merodhaki mambo weBhabhironi, negore raakatanga kubata ushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubvisa mutirongo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, Eviri–merodhaki mambo weBhabhironi, negore raakatanga kubata ushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubvisa mutorongo;