2 Kings 3:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehoshafati akati: Hapanamuprofita waJehova pano, tibvunze Jehova naye here? Mumŋe waʋaranda ʋamambo waIsraeri akapindura, akati: Erisha mŋanakomana waShafati uri pano, iye wakaɗeya kusururidza mvura pamaʋoko aEria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehoshafati akamubvunza akati, “Hapana muprofita waJehovha here pano, kuti tibvunze Jehovha nokwaari?” Muranda wamambo weIsraeri akati, “Pana Erisha mwanakomana waShafati. Aisimbosuridzira mvura pamaoko aEria.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jehoshafati akabva ati, “Ko kuno uku hakuna here muporofita waTenzi watinganzwe kuti Tenzi anoti kudii nazvo?” Rimwe jinda ramambo wokwaIsiraeri rakapindura richiti, “Kuno uku kuna Erisha mwanakomana waShafati aiva wokuchingidza Eriya mvura.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehoshafati akati, “Hapana muporofita waJehovha pano, tibvunze Jehovha naye here?” Mumwe wavaranda vamambo weIsiraeri akapindura, akati, “Erisha mwanakomana waShafati ari pano, iye wakadeya kusururidza mvura pamaoko aEria.”
Shona 2009?
Zvino Jehoshafati akati, "Hapana muporofita waJehovha pano, tibvunze Jehovha naye here?" Mumwe wavaranda vamambo waIsiraeri akapindura, akati, "Erisha mwanakomana waShafati ari pano, iye wakadeya kusururidza mvura pamaoko aEria."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehoshafati akati, “Hapana muporofita waJehovha pano, tibvunze Jehovha naye here?” Mumwe wavaranda vamambo weIsiraeri akapindura, akati, “Erisha mwanakomana waShafati ari pano, iye wakadeya kusururidza mvura pamaoko aEriya.”