2 Kings 3:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Erisha akati kunamambo waIsraeri: Ndineiko nemi? Endai kuʋaprofita ʋaɓaɓa ʋenyu nokuʋaprofita ʋamai ʋenyu. Mambo waIsraeri akati kwaari: Kwete, nokuti Jehova ndiye wakaɗana madzimambo awa matatu, kuti aʋaise mumaʋoko aʋaMoabi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Erisha akati kuna mambo weIsraeri, “Chiiko chandingaita nemi? Endai kuvaprofita vababa venyu navaprofita vamai venyu.” Mambo weIsraeri akapindura akati, “Kwete, nokuti ndiJehovha akatidaidza isu madzimambo matatu tose kuti azotipa kuvaMoabhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Erisha akati kuna mambo wokwaIsiraeri, “Ndinei newe iwe! Endaka kuvaporofita vokwababa vako nokuvaporofita vokwaamai vako.” Mambo wokwaIsiraeri ndokupindura achiti kwaari, “A-a hapana kani! Chatauyisirwa kuno naTenzi iyesu madzimambo matatu kuti tiiswe mumaoko eMoabhu chete!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Erisha akati kuna mambo weIsiraeri, “Ndineiko nemi? Endai kuvaporofita vababa venyu nokuvaporofita vamai venyu.” Mambo weIsiraeri akati kwaari, “Kwete, nokuti Jehovha ndiye wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.”
Shona 2009?
Erisha akati kuna mambo waIsiraeri, "Ndineiko nemi? Endai kuvaporofita vababa venyu nokuvaporofita vamai venyu." Mambo waIsiraeri akati kwaari, "Kwete, nokuti Jehovha ndiye wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu."
Shona SUB 2002 Bible
Erisha akati kuna mambo weIsiraeri, “Ndineiko nemi? Endai kuvaporofita vababa venyu nokuvaporofita vamai venyu.” Mambo weIsiraeri akati kwaari, “Kwete, nokuti Jehovha ndiye wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu.”