2 Kings 3:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaMoabi ʋose ʋakati ʋacinzwa kuti madzimambo akaŋga aȿika kuzorwa naʋo, ʋakaʋuŋgana, ʋose ʋakaŋga ʋacigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, naʋakaʋapfuʋura pamakore, ʋakandomira pamuganho.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaMoabhu vose vakanga vanzwa kuti madzimambo akanga auya kuzorwa navo; saka murume mumwe nomumwe, mudiki nomukuru, aigona kutakura zvombo akadaidzwa uye vakandogariswa kumuganhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaMoabhu vose pavakanzwa kuti madzimambo iwayo akanga akwira ikoko kuzovarwisa, vakakokorodza wose aigona kupfeka chidemautare kubvira kuvadukuduku kusvikira kuvakuru vakavaronganisa kumuganhu wenyika iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaMoabhu vose vakati vachinzwa kuti madzimambo akanga asvika kuzorwa navo, vakaungana, vose vakanga vachigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, navakavapfuura pamakore, vakandomira pamuganhu.
Shona 2009?
Zvino vaMoabhu vose vakati vachinzwa kuti madzimambo akanga asvika kuzorwa navo, vakaungana, vose vakanga vachigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, navakavapfuura pamakore, vakandomira pamuganhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaMoabhu vose vakati vachinzwa kuti madzimambo akanga asvika kuzorwa navo, vakaungana, vose vakanga vachigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, navakavapfuura pamakore, vakandomira pamuganhu.