2 Kings 3:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaputsa maguta, mumŋe nomumŋe akakanda ibge rake pamunda mumŋe nomumŋe wakanaka, ikazara; ʋakadziʋira matsime ose emvura, ʋakatema miti yose yakanaka, kuȿikira ʋasiya mabge oga paKiri‐hareseti; ʋaposheri ʋamabge ʋakarikomba, ʋakariparadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaparadza maguta, uye murume mumwe nomumwe akapotsera mabwe pamunda woga woga wakanaka kusvikira wafukidzwa namabwe. Vakatsindira matsime ose uye vakatema muti wose wakanga wakanaka. Kirihareseti chete ndiro rakasiyiwa riine mabwe aro, asi varume vaiva nezvimviriri vakarikomba vakaritakawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakakurira maguta acho. Pandimo yose zvayo munhu wose akakandapo dombo, pakasara pati ware ware nawo, vakafushira matsime ose vakarizha miti yose yakanaka kusvikira matombo eko angosara kuguta reKirihareseti. Varwi vokurwisa nezvimviriri vakarikomberana vakarikurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaputsa maguta, mumwe nomumwe akakanda ibwe rake pamunda mumwe nomumwe wakanaka, ikazara; vakadzivira matsime ose emvura, vakatema miti yose yakanaka, kusvikira vasiya mabwe oga paKirihareseti; vaposheri vamabwe vakarikomba, vakariparadza.
Shona 2009?
Vakaputsa maguta, mumwe nomumwe akakanda ibwe rake pamunda mumwe nomumwe wakanaka, ikazara; vakadzivira matsime ose emvura, vakatema miti yose yakanaka, kusvikira vasiya mabwe oga paKirihareseti, vaposheri vamabwe vakarikomba, vakariparadza.
Shona SUB 2002 Bible
Vakaputsa maguta, mumwe nomumwe akakanda ibwe rake pamunda mumwe nomumwe wakanaka, ikazara; vakadzivira matsime ose emvura, vakatema miti yose yakanaka, kusvikira vasiya mabwe oga paKirihareseti; vaposheri vamabwe vakarikomba, vakariparadza.