2 Kings 3:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akatora mŋanakomana wake weɗaŋgwe, waifanira kumuteʋera paʋushe, akamuɓayira ciʋe cipiriso cinopiswa pamsoro poruȿiŋgo. Ipapo ʋaIsraeri ʋakatsamŋa kwaɀo, ʋakabva kwaari, ʋakadzokera kunyika yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akatora dangwe rake, aifanira kumutevera paushe, akamupa sechibayiro parusvingo rweguta. Vakatsamwira vaIsraeri zvikuru; uye ivo vakabva kwaari vakadzokera kunyika yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndopaakazobata mwana wake mukomana akanga ariye wokuzotonga pachinzvimbo pake akamupira parusvingo sechibayiro chokupisa. Izvozvi zvakashayisa kwazvo vaIsiraeri romuromo vakabva vamurega vakadzokera kunyika kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akatora mwanakomana wake wedangwe, waifanira kumutevera paushe, akamubayira chive chipiriso chinopiswa pamusoro porusvingo. Ipapo vaIsiraeri vakatsamwa kwazvo, vakabva kwaari, vakadzokera kunyika yavo.
Shona 2009?
Ipapo akatora mwanakomana wake wedangwe, waifanira kumutevera paushe, akamubayira chive chipiriso chinopiswa pamusoro porusvingo. Ipapo vaIsiraeri vakatsamwa kwazvo, vakabva kwaari, vakadzokera kunyika yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akatora mwanakomana wake wedangwe, waifanira kumutevera paushe, akamubayira chive chipiriso chinopiswa pamusoro porusvingo. Ipapo VaIsiraeri vakatsamwa kwazvo, vakabva kwaari, vakadzokera kunyika yavo.