2 Kings 3:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatuma shoko kunaJehoshafati mambo waJuda, aciti: Mambo waMoabi wandimukira, ucaenda neni kundorwa naMoabi here? Iye akati: Ndicaenda; ini ndakaita sewe, naʋanhu ʋaŋgu saʋanhu ʋako, namabiza aŋgu samabiza ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akatumirawo shoko kuna Jehoshafati mambo weJudha achiti, “Mambo weMoabhu andimukira. Ungada kuenda neni kundorwa neMoabhu here?” Iye akapindura akati, “Ndichaenda newe. Ini ndakangoita sewe, navanhu vangu sevakowo, mabhiza angu samabhiza ako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akandotumira shoko kuna Jehoshafati mambo wokwaJudha rokuti, “Kuno uku mambo weMoabhu akandipandukira. Hamungaendewo here neni kuhondo kundorwisa Moabhu?” Iye akati, “Handei zvedu. Inga tiri vamwechete wani, vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu uye mabhiza angu, mabhiza enyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha, achiti, “Mambo waMoabhu wandimukira, uchaenda neni kundorwa naMoabhu here?” Iye akati, “Ndichaenda; ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.”
Shona 2009?
Akatuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha, achiti, "Mambo waMoabhu wandimukira, uchaenda neni kundorwa naMoabhu here?" Iye akati, "Ndichaenda; ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako."
Shona SUB 2002 Bible
Akatuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha, achiti, “Mambo waMoabhu wandimukira, uchaenda neni kundorwa naMoabhu here?” Iye akati, “Ndichaenda; ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.”