2 Kings 4:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe mukadzi waʋakadzi ʋaʋanakomana ʋaʋaprofita wakacema kunaErisha, akati: Muranda wenyu, murume waŋgu, wafa; munoziʋa kuti muranda wenyu wakaŋga acitya Jehova; ɀino uyo, waakaŋga atora cikwerete kwaari, waʋuya kuzotora ʋana ʋaŋgu ʋaʋiri kuzoʋa ʋaranda ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mukadzi womumwe murume weboka ravaprofita akadanidzira kuna Erisha akati, “Muranda wenyu, murume wangu, afa, uye munoziva kuti iye aitya Jehovha. Asi zvino uyo waakanga atorera chikwereti ari kuuya kuzotora vanakomana vangu vaviri kuti vave nhapwa dzake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mudzimai womumwe wavaporofita akachema kuna Erisha achiti, “Ini muranda wenyu murume wangu akafa. Sezvamunongoziva wani muranda wenyu iyeyo aiva munhu anotya Tenzi. Asi zvinoka mumwe munhu waakanga ane chikwereti naye auya kuzotora vana vangu vakomana vaviri kuti vave varanda vake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe mukadzi wavakadzi vavanakomana vavaporofita wakachema kuna Erisha, akati, “Muranda wenyu, murume wangu, wafa; munoziva kuti muranda wenyu wakanga achitya Jehovha; zvino uyo, waakanga atora chikwerete kwaari, wauya kuzotora vana vangu vaviri kuzova varanda vake.”
Shona 2009?
Zvino mumwe mukadzi wavakadzi vavanakomana vavaporofita wakachema kuna Erisha, akati, "Muranda wenyu, murume wangu, wafa; munoziva kuti muranda wenyu wakanga achitya Jehovha; zvino uyo, waakanga atora chikwereti kwaari, wauya kuzotora vana vangu vaviri kuzova varanda vake."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe mukadzi wavakadzi vavanakomana vavaporofita wakachema kuna Erisha, akati, “Muranda wenyu, murume wangu, wafa; munoziva kuti muranda wenyu wakanga achitya Jehovha; zvino uyo, waakanga atora chikwereti kwaari, wauya kuzotora vana vangu vaviri kuzova varanda vake.”