2 Kings 4:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Citaura kwaari ɀino, uti: Tarirai, makaticeŋgeta ɀikuru kwaɀo, ɀino tiŋgakuitirei ʋo? Munoɗa kuti tikureʋerei kunamambo, kana kumukuru wehondo here? Iye akapindura, akati: Ndigere haŋgu ɀakanaka pakati paʋanhu ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Erisha akati kwaari, “Muudze kuti, ‘Makatitamburira imi pane zvose izvi, zvino mungaitirwewo chii?’ Tingakumiririrai kuna mambo here kana kumukuru wehondo?” Iye akapindura akati, “Ndine musha pakati pavanhu vokwangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Erisha akati kuna Gehazi, “Iti kuna mai ava, chionaika imi makazvitakudza mutoro unorema kudai muchiitiresu, zvino chii chamungaitirwewo imi? Hamuna here nyaya yamunoda kusvitsirwa kuna mambo kana kuti kumutungamiriri wehondo?” Mai ava ndokuti, “Ini ndakanyatsogara zvangu navanhu vokwangu ava.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari, “Chitaura kwaari zvino, uti ‘Tarirai, makatichengeta zvikuru kwazvo, zvino tingakuitireiwo? Munoda kuti tikureverei kuna mambo, kana kumukuru wehondo here?’ ” Iye akapindura, akati, “Ndigere hangu zvakanaka pakati pavanhu vangu.”
Shona 2009?
Akati kwaari, "Chitaura kwaari zvino, uti `Tarirai, makatichengeta zvikuru kwazvo, zvino tingakuitireiwo? Munoda kuti tikureverei kuna mambo, kana kumukuru wehondo here?' " Iye akapindura, akati, "Ndigere hangu zvakanaka pakati pavanhu vangu."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari, “Chitaura kwaari zvino, uti ‘Tarirai, makatichengeta zvikuru kwazvo, zvino tingakuitireiwo? Munoda kuti tikureverei kuna mambo, kana kumukuru wehondo here?’ ” Iye akapindura, akati, “Ndigere hangu zvakanaka pakati pavanhu vangu.”