2 Kings 4:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Erisha akati kwaari: Ndiŋgakuɓatsira seiko? Ndiʋudze. Uneiko mumba mako? Iye akati: Murandakadzi wenyu haanecinhu mumba, asi hari inamafuta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Erisha akamupindura akati, “Ndingakubatsira seiko? Nditaurire, chii chaunacho mumba mako?” Iye akati, “Murandakadzi wenyu haana kana chinhu kunze kwamafuta mashoma shoma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Erisha akamuti, “Chiiko chandingakuitirei? Dondiudzaiwo, ko kumba munei chamuchinacho?” Mudzimai uyu akati, “Ini muranda wenyu kumba uku handisisina chokubata, changosara chete kaguchu kamafuta.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Erisha akati kwaari, “Ndingakubatsira seiko? Ndiudze. Uneiko mumba mako?” Iye akati, “Murandakadzi wenyu haane chinhu mumba, asi hari ina mafuta.”
Shona 2009?
Erisha akati kwaari, "Ndingakubatsira seiko? Ndiudze. Uneiko mumba mako?" Iye akati, "Murandakadzi wenyu haane chinhu mumba, asi hari ina mafuta."
Shona SUB 2002 Bible
Erisha akati kwaari, “Ndingakubatsira seiko? Ndiudze. Uneiko mumba mako?” Iye akati, “Murandakadzi wenyu haane chinhu mumba, asi hari ina mafuta.”