2 Kings 4:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akaisa cigaro pamboŋgoro, akati kumuranda wake: Uifambise, ipfuʋurire mberi; rega kundinonosa pakufamba, asi kana ndikakuʋudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaisa chigaro pamusoro pembongoro akati kumuranda wake, “Tungamira; usafamba zvishoma uchiitira ini kunze kwokunge ndakuudza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mai ava vakasunga dhongi ravo vakaudza muranda wavo kuti, “Tinha dhongi iri rirambe richifambisa usambondimisa-misa zvako munzira asi kutoti ndakuudza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akaisa chityaro pambongoro, akati kumuranda wake, “Uifambise, ipfuurire mberi; rega kundinonotsa pakufamba, asi kana ndikakuudza.”
Shona 2009?
Zvino akaisa chigaro pambongoro, akati kumuranda wake, "Uifambise, ipfuurire mberi; rega kundinonotsa pakufamba, asi kana ndikakuudza."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akaisa chityaro pambongoro, akati kumuranda wake, “Uifambise, ipfuurire mberi; rega kundinonotsa pakufamba, asi kana ndikakuudza.”