2 Kings 4:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aȿika kumunhu waMŋari pagomo, akaɓata tsoka dzake. Gehazi akasweɗera aciɗa kumusundira kure; asi munhu waMŋari akati: Murege hake, nokuti mŋeya wake uneshuŋgu mukati make. Asi Jehova wakandiʋanzira iɀoɀo, haana‐kundiʋudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakasvika kumunhu waMwari paGomo, akabata makumbo ake. Gehazi akauya achiti amusundire kure, asi munhu waMwari akati, “Murege akadaro! Nokuti ane shungu dzinomutambudza, asi Jehovha akandivanzira chinhu ichi uye haana kundiudza kuti imhaka yei.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakazosvika pagomo kumunhu waMwari, vakasvikobata tsoka dzake. Gehazi akauya woda kuvatakanurapo, asi munhu waMwari akati, “Varege vakadaro. Vari kushungurudzwa kwazvo mumwoyo. Zvino Tenzi andivanzira nhuna dzavo haana kunditaurirawo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati asvika kumunhu waMwari pagomo, akabata tsoka dzake. Gehazi akaswedera achida kumusundira kure; asi munhu waMwari akati, “Murege hake, nokuti mweya wake une shungu mukati make. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza.”
Shona 2009?
Zvino wakati asvika kumunhu waMwari pagomo, akabata tsoka dzake. Gehazi akaswedera achida kumusundira kure; asi munhu waMwari akati, "Murege hake, nokuti mweya wake une shungu mukati make. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza. "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati asvika kumunhu waMwari pagomo, akabata tsoka dzake. Gehazi akaswedera achida kumusundira kure; asi munhu waMwari akati, “Murege hake, nokuti mweya wake une shungu mukati make. Asi Jehovha akandivanzira izvozvo, haana kundiudza.”