2 Kings 4:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akati kunaGehazi: Ciɀisuŋga ciʋuno, uɓate tȿimbo yaŋgu muruʋoko rwako, uende; kana ukasoŋgana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumŋe akakukwazisa, usamuɗaʋira; ugondoisa tȿimbo yaŋgu pamsoro peciso comŋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Erisha akati kuna Gehazi, “Zvisunge chiuno ubate tsvimbo yangu muruoko rwako umhanye. Kana ukasangana naani zvake, usamukwazisa, uye ani naani anokukwazisa, iwe usapindura. Uradzike tsvimbo yangu pauso hwomukomana.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati kuna Gehazi, “Chisunga dzisimbe ubate tsvimbo yangu iyi muruoko uende. Kana ukasangana naani zvake rega kumukwazisa, anenge akukwazisa rega kumupindura, undoisa tsvimbo yangu pauso hwomwana wacho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akati kuna Gehazi, “Chizvisunga chiuno, uende; kana ukasangana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumwe akakukwazisa, usamudavira; ugondoisa tsvimbo yangu pamusoro pechiso chomwana.”
Shona 2009?
Ipapo akati kuna Gehazi, "Chizvisunga chiuno, uende; kana ukasangana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumwe akakukwazisa, usamudavira; ugondoisa tsvimbo yangu pamusoro pechiso chomwana."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akati kuna Gehazi, “Chizvisunga chiuno, uende; kana ukasangana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumwe akakukwazisa, usamudavira; ugondoisa tsvimbo yangu pamusoro pechiso chomwana.”