2 Kings 4:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Gehazi akaʋatuŋgamirira, akandoisa tȿimbo paciso comŋana, asi kwakaŋga kusino‐kutaura kana kunzwa. Naiɀoɀo akadzoka kuzosoŋgana naye, akati kwaari: Mŋana haana‐kupepuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Gehazi akatungamira mberi akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi hapana chakanzwika kana chakapfakanyika. Naizvozvo Gehazi akadzokera kuti andosangana naErisha akamuudza kuti, “Mukomana haana kumuka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gehazi akafanotungamira akasvikoisa tsvimbo pauso hwomwana uya, asi hapana chakanzwika kana chiratidzo choupenyu. Naizvozvo akadzokera kundosangana naErisha akamutaurira kuti, “Mwana haana kumuka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Gehazi akavatungamirira, akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi kwakanga kusino kutaura kana kunzwa. Naizvozvo akadzoka kuzosangana naye, akati kwaari, “Mwana haana kupepuka.”
Shona 2009?
Gehazi akavatungamirira, akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi kwakanga kusino kutaura kana kunzwa. Naizvozvo akadzoka kuzosangana naye, akati kwaari, "Mwana haana kupepuka."
Shona SUB 2002 Bible
Gehazi akavatungamirira, akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi kwakanga kusino kutaura kana kunzwa. Naizvozvo akadzoka kuzosangana naye, akati kwaari, “Mwana haana kupepuka.”