2 Kings 4:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akaɗana Gehazi, akati: Ƌana mukadzi muShunemi. Akamuɗana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati: Simudza mŋanakomana wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Erisha akadana Gehazi akati kwaari, “Dana mukadzi muShunemi.” Iye akaita saizvozvo. Akati apinda, Erisha akati kwaari, “Tora mwanakomana wako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Erisha akatuma Gehazi kuti, “Daidza muShunemu uya.” Akabvawo andomudaidza. Mai ava pavakasvika kuna Erisha iye akati, “Chitakurai zvenyu mwanakomana wenyu uyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akadana Gehazi, akati, “Dana mukadzi muShunemi.” Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati, “Simudza mwanakomana wako.”
Shona 2009?
Ipapo akadana Gehazi, akati, "Dana mukadzi muShunemi." Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati, "Simudza mwanakomana wako."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akadana Gehazi, akati, “Dana mukadzi muShunemi.” Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati, “Simudza mwanakomana wako.”