2 Kings 4:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Erisha akaenda ɀe Girgari; nzara yakaŋga iri’po panyika; ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaŋga ʋagere pamberi pake, akati kumuranda wake: Gadza hari huru, uɓikire ʋanakomana ʋaʋaprofita ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Erisha akadzokera kuGirigari uye maiva nenzara mudunhu imomo. Boka ravanakomana vavaprofita parakanga rigere pamberi pake, akati kumuranda wake, “Gadzai hari huru mubikire boka ravaprofita ava zvokudya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Erisha akaendazve kuGirigari, izvozvo shangwa yenzara yakanga iri munyika umu. Iye paaingunotandara zvake neboka ravaporofita akati kumushandi wake, “Gadza bhodho guru ubikire boka ravaporofita ava usavi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Erisha akaendazve Girigari; nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, “Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita zvokudya.”
Shona 2009?
Zvino Erisha akaendazve Girigari, nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, "Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita zvokudya."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Erisha akaendazve Girigari; nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, “Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita zvokudya.”