2 Kings 4:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe akaenda kusaŋgo kundotanha miriʋo, akawana muti unotanda, akatanha’po magake, akazadza ŋguʋo yake nawo, akaȿika akaacekera muhari yeɀokudya, nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgaaziʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavo akaenda kuminda kundotanha muriwo akawana magaka omusango. Akaunganidza mamwe acho akaazadza mujasi rake. Paakadzokera, akaatematema ndokuaisa muhari yomuriwo, kunyange zvazvo pakanga pasina aiziva kuti zvaiva zvii.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe wavo akaenda musango kundotsvaka muriwo. Akadimbura muvhaini womusango akautanha akasungira pamberi muhanzu yake kuzadza nezvipudzi zvomusango. Akauya akazvichekerera mupoto yousavi iyi asingazive kuti zvaiva zvii.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguo yake nawo, akasvika akaachekera muhari yezvokudya, nokuti vakanga vasingaazivi.
Shona 2009?
Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguvo yake nawo, akasvika akaachekerera muhari yezvokudya, nokuti vakanga vasingaazivi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguo yake nawo, akasvika akaachekera muhari yezvokudya, nokuti vakanga vasingaazivi.