2 Kings 4:42 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe murume wakaȿika, acibva Baari‐sharisha, akaʋigira munhu waMŋari ɀokudya ɀeɀitȿa, ɀiŋgwa ɀebari ɀinamakumi maʋiri, nehura itȿa dzeɀiyo muhomo yake. Akati: Ipai ʋanhu, ʋadye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe murume akauya achibva kuBhaari Sharisha achivigira munhu waMwari marofu makumi maviri echingwa chebhari chakanga chabikwa nezviyo zvakatanga kuibva, pamwe chete nehura dzezviyo zvitsva. Erisha akati, “Ipai vanhu vadye.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakauya mumwe murume wokuBhaarisharisha achiigira munhu waMwari chingwa chembesanwa dzokutanga, aiva makumi maviri ezvingwa zvebhari nechibage chinyoro mutsapo yake. Erisha akati, “Ipa varume ava vadye zvavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe murume wakasvika, achibva Bhaarisharisha, akavigira munhu waMwari zvokudya zvezvitsva, zvingwa zvebhari zvina makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhomwe yake. Akati, “Ipai vanhu, vadye.”
Shona 2009?
Zvino mumwe murume wakasvika, achibva Bhaarisharisha, akavigira munhu waMwari zvokudya zvezvitsva, zvingwa zvebhari zvina makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhomwe yake. Akati, "Ipai vanhu, vadye."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe murume wakasvika, achibva Bhaarisharisha, akavigira munhu waMwari zvokudya zvezvitsva, zvingwa zvebhari zvina makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhomwe yake. Akati, “Ipai vanhu, vadye.”