2 Kings 4:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muranda wake akati: Ndiŋgaisa iɀi pamberi paʋanhu ʋanezana seiko? Asi iye akati: Ipai ʋanhu, ʋadye, nokuti ɀanzi naJehova: Ʋacadya, ʋakasiya ɀimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muranda wake akati, “Ndingagovera izvi kuvanhu zana sei?” Asi Erisha akapindura akati, “Ipai vanhu vadye. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vachadya vakasiya zvimwe.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mushandi wake akati, “Ndingazvigovanisa sei chaizvo kuzana revanhu iri?” Erisha ndokutizve, “Ipa varume ava vadye zvavo nokuti zvanzi naTenzi, ‘Vachadya vakatozvisiya.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muranda wake akati, “Ndingaisa izvi pamberi pavanhu vane zana seiko?” Asi iye akati, “Ipai vanhu, vadye, nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vachadya, vakasiya zvimwe.’ ”
Shona 2009?
Muranda wake akati, "Ndingaisa izvi pamberi pavanhu vane zana seiko?" Asi iye akati, "Ipai vanhu, vadye, nokuti zvanzi naJehovha, `Vachadya, vakasiya zvimwe.' "
Shona SUB 2002 Bible
Muranda wake akati, “Ndingaisa izvi pamberi pavanhu vane zana seiko?” Asi iye akati, “Ipai vanhu, vadye, nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vachadya, vakasiya zvimwe.’ ”