2 Kings 4:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe musi Erisha akapfuʋura napaShunemi, pakaŋga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya ɀokudya. Ɀino ŋguʋa dzose kana acipfuʋura napo, waitsaukira’ko kuzodya ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rimwe zuva Erisha akaenda kuShunemi. Ikoko kwaiva nomukadzi akanga ari mupfumi, uye akamugombedzera kuti agare ambodya. Saka nguva dzose paaipfuura nepo, aimirapo odya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rimwe zuva Erisha akapfuura nokuShunemu kwaigara mumwe mukadzi aiva mupfumi. Mudzimai iyeyu akamunyengetedza kuti ambowana chimwe chokuisa mukanwa. Saizvozvo Erisha pose paaipfuura neko aitsaukirapo kundodya zvokudya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe musi Erisha akapfuura napaShunemi, pakanga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya zvokudya. Zvino nguva dzose kana achipfuura napo, waitsaukirako kuzodya zvokudya.
Shona 2009?
Zvino mumwe musi Erisha akapfuura napaShunemi, pakanga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya zvokudya. Zvino nguva dzose kana achipfuura napo, waitsaukirako kuzodya zvokudya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe musi Erisha akapfuura napaShunemi, pakanga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya zvokudya. Zvino nguva dzose kana achipfuura napo, waitsaukirako kuzodya zvokudya.