2 Kings 5:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko Abana neFarpari, idzo nzizi dzeDamasko, hadzina‐kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsraeri here? Handiŋgashambi madziri, ndikaʋa wakanaka here? Naiɀoɀo akaenda, akabva atsamŋa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, Abhana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzisi nani kupinda mvura yose yeIsraeri here? Handaigona kushamba madziri ndikanatswa here?” Naizvozvo akabvapo akaenda akatsamwa kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko, Abhana naFapari nzizi dzokuDhamasikusi, hadzisiri nani here pane mvura yose yomuIsiraeri. Kwangu kutadza here kushamba madziri ndichenurwe?” Akabva afuratira oenda zvake akashatirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati peIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here?” Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.
Shona 2009?
Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here?" Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasikosi, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati peIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here?” Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.