2 Kings 5:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akaɓuruka, akandonyura munaJoridani kanomŋe, seɀakaŋga ɀataura munhu waMŋari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomŋana muɗuku, akaʋa wakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akaburuka akandozvinyudza muna Jorodhani kanomwe, sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, nyama yake ikadzoredzerwa pakare ikava yakachena, seyomwana mucheche.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo akadzika akandozvinyika kanomwe muna Jorodhani sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, muviri wake ukapora ukaita sezvawaimbenge uri ukanaka sewemwana mudiki akabva achenurwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.
Shona 2009?
Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.