2 Kings 5:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akadzokera kumunhu waMŋari, iye neɓoka rake rose, akaȿika, akamira pamberi pake, akati: Tarirai, ɀino ndoziʋa kuti hapanaMŋari pasi pose, asi pakati paIsraeri; naiɀoɀo ɀino, gamucirai henyu cipo kumuranda wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Naamani akadzokera neboka rake rose kumunhu waMwari. Akamira pamberi pake akati, “Zvino ndava kuziva kuti hakuna Mwari panyika yose kunze kwomunyika yeIsraeri. Ndapota, gamuchirai chipo chabva kumuranda wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzokera kumunhu waMwari iye nechikwata chake chavanhu. Akasvika akamira paari akati, “Ndazoziva zvino kuti muIsiraeri chete ndimo muna Mwari pasi pano pose zvapo, saka dai imi mangochindigamuchirirawo ini muranda wenyu chipo ichi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akadzokera kumunhu waMwari, iye neboka rake rose, akasvika, akamira pamberi pake, akati, “Tairirai, zvino ndoziva kuti hapana Mwari pasi pose, asi pakati peIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu.”
Shona 2009?
Zvino akadzokera pakati paIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akadzokera kumunhu waMwari, iye neboka rake rose, akasvika, akamira pamberi pake, akati, “Tarirai, zvino ndoziva kuti hapana Mwari pasi pose, asi pakati peIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu.”